1 Samuel 28:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukadzi akaʋuya kunaSauro, akaʋona kuti unotambudzika kwaɀo, akati kwaari: Tarirai, murandakadzi wenyu wakaterera inzwi renyu, ndikasaraŋgarira ʋupenyu bgaŋgu, asi ndakaterera mashoko enyu amakandiʋudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi paakaenda pana Sauro akaona kuti akanga avhundutswa kwazvo, akati kwaari, “Tarirai, murandakadzi wenyu akakuteererai. Ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikaita zvamakandiudza kuti ndiite.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukadzi uyu akaenda pana Sauro, paakaona kuti zvakanga zvamutyisa kwazvo akamuti, “Chinzwai, ini ndambokuteererai. Ndamboita zvokutobatira ura mumaoko ini muranda wenyu, ndikateerera zvamandiudza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukadzi akauya kuna Sauro, akaona kuti unotambudzika kwazvo, akati kwaari, “Tarirai, murandakadzi wenyu wakateerera izwi renyu, ndikasarangarira upenyu hwangu, asi ndakateerera mashoko enyu amakandiudza.
Shona 2009?
Zvino mukadzi akauya kuna Sauro, akaona kuti unotambudzika kwazvo, akati kwaari, "Tarirai, murandakadzi wenyu wakateerera inzwi renyu, ndikasarangarira upenyu hwangu, asi ndakateerera mashoko enyu amakandiudza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukadzi akauya kuna Sauro, akaona kuti unotambudzika kwazvo, akati kwaari, “Tarirai, murandakadzi wenyu wakateerera izwi renyu, ndikasarangarira upenyu hwangu, asi ndakateerera mashoko enyu amakandiudza.