1 Samuel 28:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye wakaramba, akati: Handiɗi haŋgu kudya. Asi ʋaranda ʋake ʋakamukurudzira pamŋe cete nomukadzi, akazoterera manzwi aʋo. Naiɀoɀo akasimuka pasi, akagara panhoʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akaramba akati, “Handidi kudya.” Asi vanhu vake vakabatsirana nomukadzi pakumugombedzera, uye akavanzwa. Akasimuka akagara panhoo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akaramba achiti, “Zvokudya, aiwa. Asi varanda vake nomukadzi uyu vakamunyengetedza ndokubva azovateerera zvake. Ipapo akamuka pasi, akagara pamubhedha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye wakaramba, akati, “Handidi hangu kudya.” Asi varanda vake vakamukurudzira pamwechete nomukadzi, akazoteerera mazwi avo. Naizvozvo akasimuka pasi, akagara panhoo.
Shona 2009?
Asi iye wakaramba, akati, "Handidi hangu kudya." Asi varanda vake vakamukurudzira pamwechete nomukadzi, akazoteerera manzwi avo. Naizvozvo akasimuka pasi, akagara panhovo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye wakaramba, akati, “Handidi hangu kudya.” Asi varanda vake vakamukurudzira pamwechete nomukadzi, akazoteerera mazwi avo. Naizvozvo akasimuka pasi, akagara panhoo.