1 Samuel 29:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Davidi akamuka maŋgwanani, iye naʋanhu ʋake, ʋakaenda maŋgwanani, ʋakadzokera kunyika yaʋaFiristia. ƲaFiristia ʋakakwira ʋakaenda Jezreeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Dhavhidhi navanhu vake vakamuka mangwanani-ngwanani kuti vadzokere kunyika yavaFiristia, uye vaFiristia vakakwira kuJezireeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka Dhavhidhi navanhu vake vakamuka mangwanani-ngwanani vodzokera kunyika yavaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kuJezireeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Dhavhidhi akamuka mangwanani, iye navanhu vake, vakaenda mangwanani, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. VaFirisitia vakakwira vakaenda Jezereeri.
Shona 2009?
Naizvozvo Dhavhidhi akamuka mangwanani, iye navanhu vake, vakaenda mangwanani, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. VaFirisitia vakakwira vakaenda Jezereeri.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Dhavhidhi akamuka mangwanani, iye navanhu vake, vakaenda mangwanani, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. VaFirisitia vakakwira vakaenda Jezereeri.