1 Samuel 29:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo macinda aʋaFiristia akati: Ko ʋaHeberu aʋa ʋanoiteiko pano? Akishi akati kumacinda aʋaFiristia: Ko uyu haazi Davidi, muranda waSauro, mambo waIsraeri, ugere neni mazuʋa ano kana makore ano here? Handina‐kuwana mhoȿa kwaari, ciŋguʋa caakatizira kwandiri kuȿikira nhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakuru vehondo yavaFiristia vakabvunza vakati, “Ko, vaHebheru ava vanodei?” Akishi akapindura akati, “Ko, uyu haazi Dhavhidhi, akanga ari muchinda waSauro mambo weIsraeri here? Anga agere neni kwenguva inopfuura gore, uye kubva pazuva raakabva kuna Sauro kusvikira zvino, handina kuwana chakaipa maari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vatungamiri vavaFirisitia vakabvunza kuti, “Ko vaHebheru ava ndevei?” Akishi akapindura vatungamiriri vaFirisitia ava achiti, “NdiDhavhidhi wani uyu, muranda waSauro mambo weIsiraeri. Atova namazuva chaiwo wani kana kutoti makore aineni. Kubvira zuva raakapomoka kwaSauro, ini handina kuona chakaipa maari ini kusvikira nhasi uno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo machinda avaFirisitia akati, “Ko vaHebheru ava vanoiteiko pano?” Akishi akati kumachinda avaFirisitia, “Ko uyu haazi Dhavhidhi, muranda waSauro, mambo waIsiraeri, ugere neni mazuva ano kana makore ano here? Handina kuwana mhosva kwaari, chinguva chaakatizira kwandiri kusvikira nhasi.”
Shona 2009?
Ipapo machinda avaFirisitia akati, "Ko vaHebheru ava vanoiteiko pano?" Akishi akati kumachinda avaFirisitia, "Ko uyu haazi Dhavhidhi, muranda waSauro, mambo waIsiraeri, ugere neni mazuva ano kana makore ano here? Handina kuwana mhosva kwaari, chinguva chaakatizira kwandiri kusvikira nhasi."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo machinda avaFirisitia akati, “Ko VaHebheru ava vanoiteiko pano?” Akishi akati kumachinda avaFirisitia, “Ko uyu haazi Dhavhidhi, muranda waSauro, mambo waIsiraeri, ugere neni mazuva ano kana makore ano here? Handina kuwana mhosva kwaari, chinguva chaakatizira kwandiri kusvikira nhasi.”