1 Samuel 29:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi macinda aʋaFiristia akamutsamŋira, macinda aʋaFiristia akati kwaari: Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ŋgaarege kuɓuruka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akaʋa muʋeŋgi weɗu pakurwa. Nokuti munhu uyu uŋgandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yaʋanhu aʋa here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vakuru vehondo yavaFiristia vakamutsamwira vakati, “Dzosai munhu uyu kwakare, kuti adzokere kunzvimbo yamakamurayira kuti agare. Haafaniri kuenda nesu kuhondo kuitira kuti arege kutipindukira tiri pakurwa. Zvingava nani kwaari kuti awane nyasha kuna tenzi wake ndezvipiko, hakuzi kuti agure misoro yavanhu vedu here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vatungamiriri vavaFirisitia vakamushatirirwa vakati, “Dzoserai murume uyu kwakare kuguta ramakamuti agare. Ngaarege kuenda nesu kundorwa nokuti anotipandukira uyu, kana tasvika pakurwa. Munoti angagotsvaka sei kuwirirana zvakare natenzi wake? Handiti anotozviita nemisoro yavarume vokwedu ava?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi machinda avaFirisitia akamutsamwira, machinda avaFirisitia vakati kwaari, “Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ngaarege kuburuka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akava muvengi wedu pakurwa. Nokuti munhu uyu ungandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yavanhu ava here?
Shona 2009?
Asi machinda avaFirisitia akamutsamwira, machinda avaFirisitia vakati kwaari, "Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ngaarege kuburuka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akava muvengi wedu pakurwa. Nokuti munhu uyu ungandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yavanhu ava here?
Shona SUB 2002 Bible
Asi machinda avaFirisitia akamutsamwira, machinda avaFirisitia vakati kwaari, “Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ngaarege kuburuka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akava muvengi wedu pakurwa. Nokuti munhu uyu ungandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yavanhu ava here?