1 Samuel 29:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Akishi akaɗana Davidi, akati kwaari: NaJehova mupenyu, iwe wakaŋga uri munhu wakarurama, nokuɓuɗa kwako nokupinda kwako pahondo kwakaŋga kucindifadza ini, nokuti handina‐kuwana ɀakaipa kwauri kubva pazuʋa rawakaȿika kwandiri kuȿikira zuʋa ranhasi; asi madzishe haakufariri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Akishi akadana Dhavhidhi akati kwaari, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe wanga wakavimbika, uye ini ndaifara kuti iwe ushande neni muhondo. Kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira iye zvino, handina kuwana chakaipa mauri, asi madzishe haabvumirani newe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akishi akadaidza Dhavhidhi ndokuti kwaari, “NaTenzi mupenyu, iwe wanga uri munhu akatendeka, uye sokuona kwangu unenge uchifanira chaizvo kuenda neni mutendhe nokuti mauri iwe handina kuona chakaipa kubvira musi wawakauya kwandiri kusvikira pari nhasi. Kunyange zvakadaro zvazvo madzishe aya haasi kugutsikana newe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Akishi akadana Dhavhidhi, akati kwaari, “NaJehovha mupenyu, iwe wakanga uri munhu wakarurama, nokubuda kwako nokupinda kwako pahondo kwakanga kuchindifadza ini, nokuti handina kuwana zvakaipa kwauri kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira zuva ranhasi; asi madzishe haakufariri.
Shona 2009?
Ipapo Akishi akadana Dhavhidhi, akati kwaari, "NaJehovha mupenyu, iwe wakanga uri munhu wakarurama, nokubuda kwako nokupinda kwako pahondo kwakanga kuchindifadza ini, nokuti handina kuwana zvakaipa kwauri kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira zuva ranhasi; asi madzishe haakufariri.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Akishi akadana Dhavhidhi, akati kwaari, “NaJehovha mupenyu, iwe wakanga uri munhu wakarurama, nokubuda kwako nokupinda kwako pahondo kwakanga kuchindifadza ini, nokuti handina kuwana zvakaipa kwauri kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira zuva ranhasi; asi madzishe haakufariri.