1 Samuel 29:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati kunaAkishi: Ndaɗiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu ciŋguʋa candakagara nemi kuȿikira nhasi, kuti ndirege kundorwa naʋaʋeŋgi ʋashe waŋgu mambo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akamubvunza akati, “Asi ndaiteiko hangu? Makawaneiko chakaipa kumuranda wenyu kubva pazuva randakasvika kwamuri kusvikira zvino? Ndinoregereiko kundorwa navavengi vashe wangu mambo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Ko chii chandakaita? Chakaipa chamakaona mandiri ini muranda wenyu chii chaizvo kubvira musi wandakatangisa kukushandirai kusvikira nhasi uno chingazonditadzisa kuendawo kundorwa navavengi venyu changamire?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Ndadiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu chinguva chandakagara nemi kusvikira nhasi, kuti ndirege kundorwa navavengi vashe wangu mambo?”
Shona 2009?
Dhavhidhi akati kuna Akishi, "Ndadiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu chinguva chandakagara nemwi kusvikira nhasi, kuti ndirege kundorwa navavengi vashe wangu mambo?"
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Ndadiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu chinguva chandakagara nemi kusvikira nhasi, kuti ndirege kundorwa navavengi vashe wangu mambo?”