1 Samuel 3:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mŋana Samueri waiɓatira Jehova pamberi paEri. Asi shoko raJehova rakaŋga ricinzwika kashoma pamazuʋa iwayo; Jehova wakaŋga asiŋgaɀiratidzi pacena.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukomana uyu Samueri aishumira pamberi paJehovha ari pasi paEri. Mumazuva iwayo shoko raJehovha rakanga risinganzwiki-nzwiki, kwakanga kusina zviratidzo zvizhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukomana Samueri aishandira Tenzi ari mumaoko aEri. Mazuva iwayo Tenzi akanga asisataure-taure kuvanhu. Kunyeverawo vanhu nezviratidzo kwakanga kwava kushoma chaizvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mwana Samueri waibatsira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakanga asingazviratidzi pachena.
Shona 2009?
Zvino mwana Samueri waibatira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakanga asingazviratidzi pachena.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mwana Samueri waibatsira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakanga asingazviratidzi pachena.