1 Samuel 3:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakamuʋudza kuti ndicatoŋgesa imba yake nokusiŋgaperi pamsoro peɀakaipa ɀaakaŋga aciziʋa hake; nokuti ʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋaciɀigadzirira kutukwa, asi iye haana‐kuʋadziʋisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndakamuudza kuti ndichatonga mhuri yake nokusingaperi nokuda kwechivi chaaiziva pamusoro pacho, vanakomana vake vakazvigadzirira kutukwa asi iye haana kuvadzora.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinenge ndichimuudza pachena kuti ndicharanga imba yake narini, ndinenge ndichimurangira zvitadzo zvaanoziva nokuti vana vake vakaita unhubu, asi iye haana kuvadzora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nokuti vanakomana vake vakanga vachizvigadzirira kutukwa, asi iye haana kuvadzivisa.
Shona 2009?
Nokuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nokuti vanakomana vake vakanga vachizvigadzirira kutukwa, asi iye haana kuvadzivisa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nokuti vanakomana vake vakanga vachizvigadzirira kutukwa, asi iye haana kuvadzivisa.