1 Samuel 3:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Cinyiko cawakaʋudzwa naJehova? Usandiʋanzira hako cinhu ico; Mŋari ŋgaakuroʋe, arambe aciɗaro, kana ukandiʋanzira cinhu cimŋe paɀinhu ɀose ɀaakakuʋudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Eri akabvunza akati, “Wakaudzweiko naJehovha? Usandivanzira hako. Mwari ngaakurange zvakanyanya kana ukandivanzira kana chinhu chimwe zvacho chaakakuudza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eri akati, “Chii chawataurirwa naMwari? Rega zvako kundivanza. Mwari ngaawane zvaanoita newe kana ukandivanzira chimwe chinhu pane zvaakakutaurira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Chinyiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza.”
Shona 2009?
Akati, "Chinyiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza."
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Chiiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza.”