1 Samuel 3:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaIsraeri ʋose, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, ʋakaziʋa kuti Samueri wakaŋga asimbiswa kuʋa muprofita waJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Israeri yose kubva kuDhani kusvika kuBheerishebha vakaziva kuti Samueri akanga asimbiswa somuprofita waJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isiraeri yose zvayo, kubvira kuDhani kundosvikira kuBheerishebha vakaziva zvisina ani angapokane, kuti Samueri aiva muprofita waTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaIsiraeri vose kubva paDani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakanga asimbiswa kuva muporofita waJehovha.
Shona 2009?
VaIsiraeri vose kubva paDani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakanga asimbiswa kuva muporofita waJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
VaIsiraeri vose kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakanga asimbiswa kuva muporofita waJehovha.