1 Samuel 3:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akapamha ɀe kuɗana Samueri rwecitatu. Iye akamuka, akaenda kunaEri, akati: Ndiri pano haŋgu, nokuti mandiɗana. Ipapo Eri akaziʋa kuti ndiJehova wakaɗana mŋana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akadana Samueri kechitatu, uye Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaona kuti Jehovha akanga achidana mukomana uyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akadaidzazve Sumueri kechitatu. Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Eri akazoziva kuti ndiTenzi aidaidza mwana uyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, “Ndiri pano hangu, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, "Ndiri pano hangu, nokuti mandidana." Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, “Ndiri pano hangu, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha akadana mwana.