1 Samuel 3:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka Eri akati kunaSamueri: Cindoʋata hako; ɀino kana iye okuɗana, uti: Taurai Jehova, nokuti muranda wenyu unonzwa. Naiɀoɀo Samueri akaenda, akandoʋata panɀimbo yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Eri akaudza Samueri kuti, “Enda unorara pasi, kana akakudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera.’ ” Saka Samueri akaenda akandorara pasi, panzvimbo yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka Eri akati kuna Samueri, “Chidzokera zvako undorara, kana akakudaidzazve unodaira uchiti, ‘Taurai zvenyu imi Tenzi, ini muranda wenyu ndakateerera.’ ” Samueri akaenda zvake akarara panzvimbo yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka Eri akati kuna Samueri, “Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa.’ ” Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake.
Shona 2009?
Saka Eri akati kuna Samueri, "Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, `Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa.' " Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake.
Shona SUB 2002 Bible
Saka Eri akati kuna Samueri, “Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa.’ ” Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake.