1 Samuel 30:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati kwaari: Uŋgandiɓurusira kuɓoka iro here? Iye akati: Ndipikirei naMŋari kuti hamuŋgandiʋurayi, kana kundiisa mumaʋoko atenzi waŋgu. Ipapo ndiŋgakuɓurusirai kuɓoka iro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akamubvunza akati, “Ungagona kunditungamirira here kuti ndiburuke ndiende kuvapambi ava.” Iye akapindura akati, “Ndipikirei pamberi paMwari kuti hamuzondiurayi kana kundiisa kuna tenzi wangu, ini ndigokutungamirirai kwavari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akamuti, “Ungakwanise here kundisvitsa kune chikwata ichochi.” Iye akati, “Chimbonditsidziraiwo naMwari kuti hamundiuraye kana kundiisa mumaoko atenzi wangu ndigokusvitsai zvenyu kune chikwata ichocho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati kwaari, “Ungandiburutsira kuboka iro here?” Iye akati, “Ndipikirei naMwari kuti hamungandiurayi, kana kundiisa mumaoko atenzi wangu. Ipapo ndingakuburutsirai kuboka iro.”
Shona 2009?
Dhavhidhi akati kwaari, "Ungandiburutsira kuboka iro here?" Iye akati, "Ndipikirei naMwari kuti hamungandiurayi, kana kundiisa mumaoko atenzi wangu. Ipapo ndingakuburusirai kuboka iro."
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati kwaari, “Ungandiburutsira kuboka iro here?” Iye akati, “Ndipikirei naMwari kuti hamungandiurayi, kana kundiisa mumaoko atenzi wangu. Ipapo ndingakuburutsirai kuboka iro.”