1 Samuel 30:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati amuɓurusira’ko, ʋakaʋawana ʋakapararira pasi pose, ʋacidya, nokunwa, nokutamba pakati peɀizhinji ɀaʋakaŋga ʋapamba, ɀaʋakaŋga ʋatora kunyika yaʋaFiristia nokunyika yaʋaJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatungamirira Dhavhidhi ikoko, vakavawana vakapararira munzvimbo yose, vachidya, vachinwa uye vachifara nokuda kwokuwanda kwezvavakanga vapamba kubva munyika yavaFiristia nokuJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadzika naye ikoko wanei vaAmareki vakaita zvavo rurasademo, vakapararira nenzvimbo iyoyo yose vachiti uku runodya, uku runonwa, uku runotamba pamusana pezvose zvavakanga vapamba kunyika yavaFirisitia nokunyika yokwaJudha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati amuburutsirako vakavawana vakapararira pasi pose, vachidya nokunwa, nokutamba pakati pezvizhinji zvavakanga vapamba, zvavakanga vatora kunyika yavaFirisitia nokunyika yavaJudha.
Shona 2009?
Zvino wakati amuburusirako vakavawana vakapararira pasi pose, vachidya nokumwa, nokutamba pakati pezvizhinji zvavakanga vapamba, zvavakanga vatora kunyika yavaFirisitia nokunyika yavaJudha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati amuburutsirako vakavawana vakapararira pasi pose, vachidya nokunwa, nokutamba pakati pezvizhinji zvavakanga vapamba, zvavakanga vatora kunyika yavaFirisitia nokunyika yavaJudha.