1 Samuel 30:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akaȿika kuʋarume ʋanamazana maʋiri, ʋaya ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuteʋera Davidi nokuneta kwaʋo, ʋaʋakaŋga ʋasiya kurukoʋa Besori; iʋo ʋakandosoŋgana naDavidi, nokusoŋgana ʋo naʋanhu ʋakaŋga ʋanaye; ɀino Davidi wakati asweɗera kwaʋari, akaʋakwazisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dhavhidhi akasvika kuvarume vaya mazana maviri vakanga vaneta kwazvo pakumutevera uye vakanga vasiyiwa mumashure parukova rweBhesori. Vakabuda kuti vazosangana naDhavhidhi uye navanhu vakanga vanaye. Dhavhidhi navanhu vake vakati vaswedera kwavari, vakavakwazisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akasvika pana varume vaya mazana maviri vakanga vaneta zvokuti vakanga vasisakwanise kuenda naDhavhidhi, vakanga vambosiyiwa vaya pakakova keBhesori. Vakauya kuzochingurana naDhavhidi pamwechete navanhu vaiva naye. Dhavhidhi paakasvika kwavari akavakwazisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akasvika kuvarume vana mazana maviri, vaya vakanga vasingagoni kutevera Dhavhidhi nokuneta kwavo, vavakanga vasiya kurukova Besori; ivo vakandosangana naDhavhidhi, nokusanganawo navanhu vakanga vanaye; zvino Dhavhidhi wakati aswedera kwavari, akavakwazisa.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible