1 Samuel 30:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋanhu ʋose ʋakashata, naʋanhu ʋakaiȿo‐ipa, ʋakaŋga ʋaenda naDavidi, ʋakapindura, ʋakati: Ɀaʋasina‐kuenda nesu, hatiŋgaʋapi cinhu cimŋe ceɀakapambga ɀatakandorwira, asi mumŋe nomumŋe ŋgaapiwe mukadzi wake naʋana ʋake, ʋaʋaperekedze, ʋaende naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vanhu vose vakaipa nevemhirizhonga pakati pavateveri vaDhavhidhi vakati, “Nemhaka yokuti havana kuenda nesu, hatidi kugovana navo zvatakapamba zvatakawana. Kunyange zvakadaro, murume mumwe nomumwe ngaatore hake mukadzi wake navana aende.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kwaiva navamwe vakaipa mwoyo vomuchokoto pavanhu vakanga vaenda naDhavhidhi vakakonora vachiti, “Pamusana pokuti vanhu ava havana kuenda nesu, hapana chatinovapa pazvinhu zvatakapamba zvatakadzosa izvi asi kuti munhu ngaangotora mukadzi wake navana vake aende.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vanhu vose vakashata, navanhu vakaisvoipa, vakanga vaenda naDhavhidhi, vakapindura vakati, “Zvavasina kuenda nesu, hatingavapi chinhu chimwe chezvakapambwa zvatakandorwira, asi mumwe nomumwe ngaapiwe mukadzi wake navana vake, vavaperekedze, vaende navo.”
Shona 2009?
Ipapo vanhu vose vakashata, navanhu vakaisvoipa, vakanga vaenda naDhavhidhi, vakapindura vakati, "Zvavasina kuenda nesu, hatingavapi chinhu chimwe chezvakapambwa zvatakandorwira, asi mumwe nomumwe ngaapiwe mukadzi wake navana vake, vavaperekedze, vaende navo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vanhu vose vakashata, navanhu vakaisvoipa, vakanga vaenda naDhavhidhi, vakapindura vakati, “Zvavasina kuenda nesu, hatingavapi chinhu chimwe chezvakapambwa zvatakandorwira, asi mumwe nomumwe ngaapiwe mukadzi wake navana vake, vavaperekedze, vaende navo.”