1 Samuel 30:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akatambudzika ɀikuru, nokuti ʋanhu ʋakaŋga ʋoɗa kumutaka namabge, nokuti mŋoyo yaʋanhu ʋose yakaŋga ineshuŋgu, mumŋe nomumŋe pamsoro paʋanakomana ʋake naʋanasikana ʋake; asi Davidi wakatȿaka simba rake kunaJehova Mŋari wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akatambudzika zvikuru nokuti vanhu vakanga vachitaura zvokuda kumutaka namabwe; mumwe nomumwe akanga ane shungu mumweya make nokuda kwavanakomana navanasikana vake. Asi Dhavhidhi akawana simba muna Jehovha Mwari wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akasuruvara kwazvo nokuti vamwe vakanga votoda zvokumutaka namabwe pamusana pokuti vanhu vose vakanga vasuruvara kwazvo vofunga zvino vana vavo vakomana navasikana. Asi Dhavhidhi akawana simba rake muna Tenzi, Mwari wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akatambudzika zvikuru, nokuti vanhu vakanga voda kumutaka namabwe, nokuti mwoyo yavanhu vose yakanga ine shungu, mumwe nomumwe pamusoro pavanakomana vake, navanasikana vake; asi Dhavhidhi wakatsvaka simba rake kuna Jehovha Mwari wake.
Shona 2009?
Dhavhidhi akatambudzika zvikuru, nokuti vanhu vakanga voda kumutaka namabwe, nokuti moyo yavanhu vose yakanga ine shungu, mumwe nomumwe pamusoro pavanakomana vake, navanasikana vake; asi Dhavhidhi wakatsvaka simba rake kuna Jehovha Mwari wake.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akatambudzika zvikuru, nokuti vanhu vakanga voda kumutaka namabwe, nokuti mwoyo yavanhu vose yakanga ine shungu, mumwe nomumwe pamusoro pavanakomana vake, navanasikana vake; asi Dhavhidhi wakatsvaka simba rake kuna Jehovha Mwari wake.