1 Samuel 31:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋari mhiri kwomupata, naʋakaŋga ʋari mhiri kwaJoridani, ʋakati ʋaciʋona kuti ʋanhu ʋaIsraeri ʋatiza, ʋuye kuti Sauro naʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋafa ʋo, ʋakabva pamaguta, ʋakatiza; ʋaFiristia ʋakaȿika, ʋakagara’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vaiva mumupata navose vaiva mhiri kweJorodhani vakati vaona kuti hondo yavaIsraeri yakanga yatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Saka vaFiristia vakauya vakagaramo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vaiva mhiri kwebani navaiva kumhiri kwaJorodhani pavakaona kuti varwi veIsiraeri vakanga vatiza uyewo kuti Sauro navana vake vakomana vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. VaFirisitia vakaenda vakagaramo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vaIsiraeri, vakanga vari mhiri kwomupata, navakanga vachiona kuti vanhu vaIsiraeri vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vakanga vafawo, vakabva pamaguta, vakatiza; vaFirisitia vakasvika, vakagaramo.
Shona 2009?
Zvino vanhu vaIsiraeri, vakanga vari mhiri komupata, navakanga vachiona kuti vanhu vaIsiraeri vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vakanga vafawo, vakabva pamaguta, vakatiza; vaFirisitia vakasvika, vakagaramo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu VaIsiraeri, vakanga vari mhiri kwomupata, navakanga vachiona kuti vanhu VaIsiraeri vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vakanga vafawo, vakabva pamaguta, vakatiza; vaFirisitia vakasvika, vakagaramo.