1 Samuel 31:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino fume maŋgwana ʋaFiristia ʋakati ʋaciʋuya kuzokunuŋgura ʋakaʋurawa, ʋakawana Sauro naʋanakomana ʋake ʋatatu ʋafa pagomo reGirboa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fume mangwana, vaFiristia vakati vachiuya kuzobvisa zvitunha, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vakawirawo pasi vakafa paGomo reGiribhoa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ramangwana racho vaFirisitia vakaenda kundotora zvaiva pazvitunha. Vakawana Sauro navana vake vakomana vatatu vakati kan'an'a kugomo reGiribhoa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzosunungura vakaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vafa pagomo reGiribhoa.
Shona 2009?
Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzokusunungura vakaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vafa pagomo reGiribhoa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzosunungura vakaurayiwa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vafa pagomo reGiribhoa.