1 Samuel 31:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakagura musoro wake, nokukunuŋgura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, ʋakatuma nhume kumatiʋi ose enyika yaʋaFiristia, kundoziʋisa mashoko iwayo kuimba yeɀifananidzo ɀaʋo, nokuʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakagura musoro wake vakabvisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kundozivisa mashoko aya kutemberi yezvifananidzo zvavo uye napakati pavanhu vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakamudimura musoro vakakatanura chidemautare chake chokuzvidzvivirira Nacho muhondo. Vakatumira nhumwa kunyika yose yavaFirisitia nedama rakanaka kwazvo kutemberi yavamwari vavo nokuvanhu vokwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakagura musoro wake, nokusunungura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa mashoko iwayo kuimba yezvifananidzo zvavo, nokuvanhu.
Shona 2009?
Vakagura musoro wake, nokusunungura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa mashoko iwayo kuimba yezvifananidzo zvavo, nokuvanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Vakagura musoro wake, nokusunungura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa mashoko iwayo kuimba yezvifananidzo zvavo, nokuvanhu.