1 Samuel 4:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaFiristia ʋakarwa, ʋaIsraeri ʋakakundwa, ʋakatiza, mumŋe nomumŋe kutente rake, kukaʋa’po kuʋurawa kukuru; nokuti kuʋaIsraeri kwakafa ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamakumi matatu ʋaifamba namakumbo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vaFiristia vakarwa, vaIsraeri vakakundwa uye munhu wose akatiza achidzokera kutende rake. Pakava nokuurayiwa kukuru; Israeri yakarasikirwa navarwi vetsoka zviuru makumi matatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka vaFirisitia vakarwisa, vaIsiraeri vakakundwa. Mumwe nomumwe wavaIsiraeri akatizira kumba kwake. Pakafiwa zvokufiwa zviya. Pakafa varwi vetsoka vavaIsiraeri zviuru makumi matatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaFirisitia vakarwa, vaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurawa kukuru, nokuti kuvaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo.
Shona 2009?
Zvino vaFirisitia vakarwa, vaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurawa kukuru, nokuti kuvaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaFirisitia vakarwa, VaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurayiwa kukuru, nokuti kuVaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo.