1 Samuel 4:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Murume akati kunaEri: Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo. Akati: Kwaitweiko, mŋana waŋgu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kuna Eri, “Ndiri kubva kuhondo izvozvi; ndatotizako nhasi chaiye.” Eri akabvunza akati, “Chiiko chaitika mwanakomana wangu?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume uya akati kuna Eri, “Ndini ndabva kuhondo uko. Ndatiza hondo nhasi uno.” Eri akabvunza achiti, “Ko zvafamba seiko ikoko mwanangu?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Murume akati kuna Eri, “Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo.” Akati, “Kwaitweiko, mwana wangu?”
Shona 2009?
Murume akati kuna Eri, "Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo." Akati, "Kwaitweiko, mwana wangu?"
Shona SUB 2002 Bible
Murume akati kuna Eri, “Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo.” Akati, “Kwaitweiko, mwana wangu?”