1 Samuel 4:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino murume wakaŋga aʋuya neshoko akapindura, akati: ƲaIsraeri ʋatiza pamberi paʋaFiristia; ʋanhu ʋazhinji ʋaʋurawa; ʋuye ʋanakomana ʋenyu ʋaʋiri, Hofni naPinehasi, ʋafa ʋo; ʋuye areka yaMŋari yatorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume akauya neshoko akapindura achiti, “Israeri yatiza vaFiristia, uye hondo yarasikirwa zvikuru. Uyewo vanakomana venyu vaviri Hofini naFinehasi vafa, uye areka yaMwari yapambwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyakuuya neshoko uya akapindura achiti, “VaIsiraeri vaita rumwe rumwe kutiza vaFirisitia. Hondo yedu yakatakazhwa. Uyewo vanakomana venyu Hofini naFinehasi vafa, uyezve Bhokisi raMwari rapambwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino murume wakanga auya neshoko akapindura, akati, “VaIsiraeri vatiza pamberi pavaFirisitia; vanhu vazhinji vaurawa; uye vanakomana venyu vaviri, Hofini naPinehasi, vafawo; uye areka yaMwari yatorwa.”
Shona 2009?
Zvino murume wakanga auya neshoko akapindura, akati, "VaIsiraeri vatiza pamberi pavaFirisitia; vanhu vazhinji vaurawa; uye vanakomana venyu vaviri, Hofini naPinehasi, vafawo; uye areka yaMwari yatorwa."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino murume wakanga auya neshoko akapindura, akati, “VaIsiraeri vatiza pamberi pavaFirisitia; vanhu vazhinji vaurayiwa; uye vanakomana venyu vaviri, Hofini naFiniasi, vafawo; uye areka yaMwari yatorwa.”