1 Samuel 4:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukadzi womŋanakomana wake Pinehasi, wakaŋga aʋa nemimba, oɗa‐kupona mŋana; akati acinzwa kuti areka yaMŋari yatorwa, ʋuye kuti ɓaɓa ʋomurume wake, nomurume wake ʋo, ʋafa ʋose, akafugama, akapona mŋana, nokuti wakaȿikirwa nokurwadziwa kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muroora wake, mukadzi waFinehasi, akanga ane pamuviri ava pedyo nokuda kubatsirwa. Paakanzwa nhau idzi dzokuti areka yaJehovha yakanga yapambwa uye kuti vatezvara vake nomurume wake vakanga vafa, akarwadziwa napamuviri akabereka mwana, asi akakurirwa namarwadzo ake pakusununguka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muroora wavo mudzimai waFinehasi akanga akazvitakura ava padyo nokusununguka, paakanzwa shoko rokuti Bhokisi raMwari rapambwa, uye kuti vatezvara vake nomurume wake vafa, mimba yakarwadza akati bvucha akasungukuka nokuti mimba yakarwadza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukadzi womwanakomana wake Pinehasi, wakanga ava nemimba, oda kupona mwana; akati achinzwa kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti baba vomurume wake, nomurume wakewo, vafa vose, akapfugama, akapona mwana, nokuti wakasvikirwa nokurwadziwa kwake.
Shona 2009?
Zvino mukadzi womwanakomana wake Pinehasi, wakanga ava nemimba, oda kupona mwana; akati achinzwa kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti baba vomurume wake, nomurume wakewo, vafa vose, akapfugama, akapona mwana, nokuti wakasvikirwa nokurwadziwa kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukadzi womwanakomana wake Finiasi, wakanga ava nemimba, oda kupona mwana; akati achinzwa kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti baba vomurume wake, nomurume wakewo, vafa vose, akapfugama, akapona mwana, nokuti wakasvikirwa nokurwadziwa kwake.