1 Samuel 4:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaFiristia ʋakaɀigadzira kurwa naʋaIsraeri; ɀino ʋakati ʋorwa, ʋaIsraeri ʋakakundwa naʋaFiristia, ʋakaʋuraya pakati paʋakaŋga ʋakagadzirirwa kurwa ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀinna.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaFiristia vakagadzirira varwi vavo kuti vandosangana neIsraeri, uye hondo payakanga yava kupararira, Israeri yakakundwa navaFiristia, vakauraya varume zviuru zvina zvavo pavairwira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaFirisitia vakarongana kuti vachirwisa vaIsiraeri. Pavakanga vavakurwisana vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia. VaFirisitia vakauraya vaIsiraeri vaikwana zviuru zvina mukurwisana kwavakaita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaFirisitia vakazvigadzira kurwa navaIsiraeri; zvino vakati vorwa, vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina.
Shona 2009?
VaFirisitia vakazvigadzirira kurwa navaIsiraeri; zvino vakati vorwa, vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina.
Shona SUB 2002 Bible
VaFirisitia vakazvigadzira kurwa naVaIsiraeri; zvino vakati vorwa, VaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina.