1 Samuel 4:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaFiristia ʋakati ʋacinzwa inzwi rokupururudza, ʋakati: Inzwi iro rokupururudza riri kumisasa yaʋaHeberu rinoti kuɗiniko? Ʋakanzwa kuti areka yaJehova yaȿika kumisasa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakanzwa mheremhere, vaFiristia vakabvunza vakati, “Mheremhere iri mumusasa wavaHebheru ndeyei?” Vakati vazvinzwa kuti areka yaJehovha yakanga yauya mumusasa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaFirisitia pavakanzwa ruzha rwokuzhamba ikoko vakati, “Ruzha rukuru mumatendhe ava Hebheru ndorwei?” Pavakanzwa kuti Bhokisi raTenzi raunzwa kumatendhe,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaFirisitia vakati vachinzwa izwi rokupururudza, vakati, “Izwi iro rokupururudza, riri kumisasa yavaHebheru rinoti kudiniko?” Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa.
Shona 2009?
VaFirisitia vakati vachinzwa inzwi rokupururudza, vakati, "inzwi iro rokupururudza, riri kumisasa yavaHebheru rinoti kudiniko?" Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa.
Shona SUB 2002 Bible
VaFirisitia vakati vachinzwa izwi rokupururudza, vakati, “Izwi iro rokupururudza, riri kumisasa yaVaHebheru rinoti kudiniko?” Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa.