1 Samuel 5:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakatuma nhume kundoʋuŋganidza madzishe ose aʋaFiristia, ʋakati: Tumai areka yaMŋari waIsraeri, ibve, idzoserwe kunɀimbo yayo, kuti irege kutiʋuraya, isu naʋanhu ʋeɗu; nokuti guta rose rakaŋga ravunduswa nokuvundusa kworufu; ruʋoko rwaJehova rwakaʋatambudza ɀikuru ipapo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakati, “Dzoserai areka yaMwari weIsraeri kwakare, regai idzokere kunzvimbo kwayo, nokuti ichatiuraya isu navanhu vedu.” Nokuti rufu rwakanga rwazadza guta nokuvhunduka; ruoko rwaMwari rwakanga rwaritambudza zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka vakabva vatumazve shoko ndokukokorodza vatungamiriri vose vechiFirisitia, vakati, “Bhokisi reChitendarano raMwari wavaIsiraeri ngariendeswe kumusha kwaro. Ngaridzorerwe kunzvimbo yaro kuti rirege kutiuraya isu navanhu vedu.” Vakadaro nokuti guta irori rose rakanga rayaura nokutya rufu. Tenzi akanga arirova shamhu inorwadza kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza madzishe ose avaFirisitia, vakati, “Tumai areka yaMwari waIsiraeri, ibve, idzoserwe kunzvimbo yayo, kuti irege kutiuraya, isu navanhu vedu;” nokuti guta rose rakanga ravhunduswa nokuvhunduswa kworufu; ruoko rwaJehovha rwakavatambudza zvikuru ipapo.
Shona 2009?
Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza madzishe ose avaFirisitia, vakati, "Tumai areka yaMwari waIsiraeri, ibve, idzoserwe kunzvimbo yayo, kuti irege kutiuraya, isu navanhu vedu;" nokuti guta rose rakanga ravhunduswa nokuvhunduswa korufu; ruoko rwaJehovha rwakavatambudza zvikuru ipapo.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza madzishe ose avaFirisitia, vakati, “Tumai areka yaMwari waIsiraeri, ibve, idzoserwe kunzvimbo yayo, kuti irege kutiuraya, isu navanhu vedu;” nokuti guta rose rakanga ravhunduswa nokuvhunduswa kworufu; ruoko rwaJehovha rwakavatambudza zvikuru ipapo.