1 Samuel 5:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋeAshdodi ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋonei Dagoni wawira pasi neciso pamberi peareka yaJehova. Ʋakatora Dagoni, ʋakamugadzika ɀe panɀimbo yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwananingwanani zuva raitevera, wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vagari veAshidhodhi vakafumomuka, wanei chifananidzo chaDhagoni chakati pasi zvambarara nouso pamberi peBhokisi raTenzi. Vakachisimudza vakachimisa panzvimbo yacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino veAshidhodhi vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha. Vakatora Dhagoni, vakamugadzikazve panzvimbo yake.
Shona 2009?
Zvino veAshidhodhi vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha. Vakatora Dhagoni, vakamugadzikazve panzvimbo yake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino veAshidhodhi vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha. Vakatora Dhagoni, vakamugadzikazve panzvimbo yake.