1 Samuel 5:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋeAshdodi ʋakati ʋaciʋona kuti ndiɀo ɀaʋanoitirwa, ʋakati: Areka yaMŋari waIsraeri ŋgairege kugara pakati peɗu; nokuti ruʋoko rwake runotitambudza isu namŋari weɗu Dagoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu veAshidhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika vakati, “Areka yaMwari weIsraeri haifaniri kugara pano nesu nokuti ruoko rwake rwatitambudza zvikuru isu naDhagoni mwari wedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vokuAshidhodhi pavakazvionawo vakati, “Bhokisi Rechitenderano raMwari wavaIsiraeri harifaniri kuramba riinesu nokuti shamhu yake yanyanya kurwadza isu naDhagoni mwari wedu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume veAshidhodhi vakati vachiona kuti ndizvo zvavanoitirwa, vakati, “Areka yaMwari waIsiraeri ngairege kugara pakati pedu; nokuti ruoko rwake runotitambudza isu namwari wedu Dhagoni.”
Shona 2009?
Zvino varume veAshidhodhi vakati vachiona kuti ndizvo zvavanoitirwa, vakati, "Areka yaMwari waIsiraeri ngairege kugara pakati pedu; nokuti ruoko rwake runotitambudza isu namwari wedu Dhagoni."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume veAshidhodhi vakati vachiona kuti ndizvo zvavanoitirwa, vakati, “Areka yaMwari waIsiraeri ngairege kugara pakati pedu; nokuti ruoko rwake runotitambudza isu namwari wedu Dhagoni.”