1 Samuel 5:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakatuma nhume kundoʋuŋganidza kwaʋari madzishe ose aʋaFiristia, ʋakati: Ticaita seiko neareka yaMŋari waIsraeri? Ʋakapindura, ʋakati: Areka yaMŋari waIsraeri ŋgaiiswe Gati. Ʋakaisa areka yaMŋari ikoko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakavabvunza vachiti, “Toitei neareka yaMwari weIsraeri?” Vakapindura vachiti, “Itai kuti areka yaMwari weIsraeri iendeswe kuGati.” Saka vakabvisa areka yaMwari weIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakatuma shoko rokukokorodza vatungamiriri vose vavaFirisitia rokuti, “Toiteiko nebhokisi raMwari wavaIsiraeri?” Ivo vakati, “Bhokisi raMwari wavaIsiraeri ngariendeswe kuGati.” Saka vakaenda nebhokisi raMwari wavaIsiraeri ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza kwavari madzishe ose avaFirisitia, vakati, “Tichaita seiko neareka yaMwari waIsiraeri?” Vakapindura, vakati, “Areka yaMwari waIsiraeri ngaiiswe Gati.” Vakaisa areka yaMwari ikoko.
Shona 2009?
Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza kwavari madzishe ose avaFirisitia, vakati, "Tichaita seiko neareka yaMwari waIsiraeri?" Vakapindura, vakati, "Areka yaMwari waIsiraeri ngaiiswe Gati." Vakaisa areka yaMwari ikoko.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza kwavari madzishe ose avaFirisitia, vakati, “Tichaita seiko neareka yaMwari waIsiraeri?” Vakapindura, vakati, “Areka yaMwari waIsiraeri ngaiiswe Gati.” Vakaisa areka yaMwari ikoko.