1 Samuel 6:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akaʋuraya ʋamŋe ʋaʋarume ʋeBeti‐shemeshi, nokuti ʋakaŋga ʋatarira mukati meareka yaJehova; akaʋuraya ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi mashanu namakumi manomŋe pakati paʋanhu aʋo; ʋanhu ʋakacema, nokuti Jehova wakaŋga aʋuraya ʋanhu nokuʋuraya kukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Mwari akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, akauraya vanhu makumi manomwe vavo nokuti vakanga vadongorera mukati meareka yaJehovha. Vanhu vakachema nokuti Jehovha akanga auraya vanhu nokuuraya kukuru,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mwari akauraya vamwe varume vomuBhetishemeshi nokuti vakanga vadongorera mubhokisi raTenzi rechitenderano. Akauraya makumi manomwe avanhu pamakumi mashanu ezviuru. Vanhu vakachema nokuti Tenzi akanga arakatisa kuuraya vamwe vavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, nokuti vakanga vatarira mukati meareka yaJehovha; akauraya varume vane zviuru zvina makumi mashanu namakumi manomwe pakati pavanhu avo; vanhu vakachema, nokuti Jehovha wakanga auraya vanhu nokuuraya kukuru.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, nokuti vakanga vatarira mukati meareka yaJehovha; akauraya varume vane zviuru zvina makumi mashanu namakumi manomwe pakati pavanhu avo; vanhu vakachema, nokuti Jehovha wakanga auraya vanhu nokuuraya kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akauraya vamwe vavarume veBheti-shemeshi, nokuti vakanga vatarira mukati meareka yaJehovha; akauraya varume vane zviuru zvina makumi mashanu namakumi manomwe pakati pavanhu avo; vanhu vakachema, nokuti Jehovha akanga auraya vanhu nokuuraya kukuru.