1 Samuel 6:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋeBeti‐shemeshi ʋakati: Ndianiko unogona kumira pamberi paJehova, Mŋari uyu Mutȿene? Ucakwira kunani, kana acibva kwatiri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye varume veBhetishemeshi vakabvunza vachiti, “Ndiani angamira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene? Areka iyi ichaenda kuna ani ichibva pano?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vomuBhetishemeshi vakachemedzeka vachiti, “Ndianiko angafemerewo zvake kuva pana Tenzi, Mwari mutsvene iyeyu? Ko zvino toritumira kunaaniko kuti abve zvake kuno kwatiri?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume veBhetishemeshi vakati, “Ndianiko unogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu Mutsvene? Uchakwira kuna ani, kana achibva kwatiri?”
Shona 2009?
Zvino varume veBhetishemeshi vakati, "Ndianiko unogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu Mutsvene? Uchakwira kuna ani, kana achibva kwatiri?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume veBheti-shemeshi vakati, “Ndianiko unogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu Mutsvene? Uchakwira kuna ani, kana achibva kwatiri?”