1 Samuel 6:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakatuma nhume kunaʋakaŋga ʋagere Kiriati‐jearimi, ʋakati: ƲaFiristia ʋadzosa areka yaJehova; ɓurukai imi, muzoiisa kwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakatumira nhume kuvanhu veKiriati Jearimi vachiti, “VaFiristia vadzosa areka yaJehovha. Dzikai kuno muzoitora kuti muende nayo kwenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakatumira nhume kuvagari vokuKiriatijearimu kundoti, “VaFirisitia vakadzora bhokisi raTenzi rechitenderano. Dzikai kuno muritore mukwire naro kwenyu ikoko.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakatuma nhume kuna vakanga vagere Kiriatijearimi, vakati, “VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai imi, muzoiisa kwenyu.”
Shona 2009?
Ipapo vakatuma nhume kuna vakanga vagere Kiriatijearimwi, vakati, "VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai imwi, muzoiisa kwenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakatuma nhume kuna vakanga vagere Kiriatijearimi, vakati, “VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai imi, muzoiisa kwenyu.”