1 Samuel 6:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati: Kana mucidzosera areka yaMŋari waIsraeri, musaituma isinecinhu; asi munofanira kumutumira cipiriso cemhoȿa; ipapo mucapora, mugoziʋa kuti ruʋoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapindura vachiti, “Kana muchidzosera areka yamwari weIsraeri, musaidzosera isina chinhu, asi edzai nepamunogona kumutumira chipiriso chemhosva. Ipapo muchaporeswa, uye muchaziva kuti sei ruoko rwake rusina kubviswa pamusoro penyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo ndokuti, “Kana mava kudzosera bhokisi rechitenderano raMwari wavaIsiraeri, musaridzosere risina chinhu. Asi edzai napose pamunogona napo kumutumira mupiro wokuripa mhosva. Ndipo pamuchazorapwa, mobvawo maziva chikonzero changa chichiita kuti shamhu yake yokuranga irege kubva pamuri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati, “Kana muchidzosera areka yaMwari waIsiraeri, musaituma isine chinhu; asi munofanira kumutumira chipiriso chemhosva; ipapo muchapora, mugoziva kuti ruoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri.”
Shona 2009?
Vakati, "Kana muchidzosera areka yaMwari waIsiraeri, musaituma isine chinhu; asi munofanira kumutumira chipiriso chemhosva; ipapo muchapora, mugoziva kuti ruoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri."
Shona SUB 2002 Bible
Vakati, “Kana muchidzosera areka yaMwari waIsiraeri, musaituma isine chinhu; asi munofanira kumutumira chipiriso chemhosva; ipapo muchapora, mugoziva kuti ruoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri.”