1 Samuel 6:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati: Cipiriso cemhoȿa catinofanira kumuripira naco ndeceiko? Ʋakati: Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, ɀakaenzana namadzishe aʋaFiristia; nokuti makaŋga marobga neɗambudziko rimŋe, imi mose namadzishe enyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaFiristia vakabvunza vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumutumira ndecheiko?” Vakapindura vachiti, “Mamota mashanu egoridhe nembeva shanu dzegoridhe, zvichienderana nouwandu hwavatongi vavaFiristia, nokuti nedenda rimwe chetero akakurovai imi navatongi venyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakapindurawo vachiti, “Ko tomutumira mupiro wokuripa mhosva worudzii?” Ivo vakapindura vachiti, “Mamota endarama mashanu, nembeva dzendarama shanu, zvakaenzana nokuwandawo kwamadzishe avaFirisitia nokuti imi namadzishe enyu makawirwa nedenda rimwechetero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumuripira nacho ndecheiko?” Vakati, “Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, zvakaenzana namadzishe avaFirisitia; nokuti makanga marohwa nedambudziko rimwe, imi mose namadzishe enyu.
Shona 2009?
Zvino vakati, "Chipiriso chemhosva chatinofanira kumuripira nacho ndecheiko?" Vakati, "Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, zvakaenzana namadzishe avaFirisitia; nokuti makanga marohwa nedambudziko rimwe, imwi mose namadzishe enyu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumuripira nacho ndecheiko?” Vakati, “Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, zvakaenzana namadzishe avaFirisitia; nokuti makanga marohwa nedambudziko rimwe, imi mose namadzishe enyu.