1 Samuel 6:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino mutore areka yaJehova, mugoiisa paŋgoro; neɀishoŋgo ɀendarama, ɀamunomuripira naɀo kuti ciʋe cipiriso cemhoȿa, muɀiise mubokisi parutiʋi rwayo, mugoituma iende.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Torai areka yaJehovha mugoiisa pangoro, uye mubhokisi parutivi payo isai zviumbwa zvegoridhe zvamuri kutumirako kwaari sechipo chemhosva. Mugoituma iende,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munotora bhokisi iroro raTenzi rechitenderano moriisa pachikochikari, motorawo zvinhu zviya zvakaumbwa nendarama zvamuri kumutumira zvomupiro wokuripa mhosva, mozviisa mune rimwe bhokisi, moisawo rimwe bhokisi iroro muchikochikari panyasi pebhokisi rechitenderano motinha mombe dzacho dziende nechikochikari dzoga,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino mutore areka yaJehovha, mugoiisa pangoro; nezvishongo zvendarama, zvamunomuripira nazvo kuti chive chipiriso chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende.
Shona 2009?
zvino mutore areka yaJehovha, mugoiisa pangoro; nezvishongo zvendarama, zvamunomuripira nazvo kuti chive chipiriso chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende.
Shona SUB 2002 Bible
zvino mutore areka yaJehovha, mugoiisa pangoro; nezvishongo zvendarama, zvamunomuripira nazvo kuti chive chipiriso chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende.