1 Samuel 6:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBeti‐shemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isiŋgaɗaro, ticaziʋa kuti haruzi ruʋoko rwake rwakatiroʋa, cinhu haco catiwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi, murambe makaitarisa. Kana ikakwidza kuenda kunyika yayo, kwakadziva kuBhetishemeshi, zvoreva kuti Jehovha ndiye anenge auyisa njodzi pamusoro pedu. Asi kana ikarega, ipapo tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatirova uye kuti zvakangotiwirawo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
imi motarisa moona. Kana dzikadzokera naro kunyika kwaro kuBhetishemeshi zvinobva zvaratidza kuti ndiye akatipinza munhamo huru yakadai. Asi dzikarega kudaro tinobva taziva kuti haasiri iye akatiranga neshamhu yake, zvakangoitikawo zvazvo kwatiri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBhetishemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti haruzi ruoko rwake rwakatirova, chinhu hacho chatiwira.”
Shona 2009?
"Zvino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBhetishemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti haruzi ruoko rwake rwakatirova, chinhu hacho chatiwira."
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBheti-shemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti haruzi ruoko rwake rwakatirova, chinhu hacho chatiwira.”