1 Samuel 7:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋarume ʋeKiriati‐jearimi ʋakaʋuya, ʋakatora areka yaJehova, ʋakaiisa kumba kwaAbinadabi pagomo; ʋakatsaura Ereazari mŋanakomana wake, kuti aceŋgete areka yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka varume veKiriati Jearimi vakauya vakatora areka yaJehovha. Vakaiendesa kuimba yaAbhinadhabhi pachikomo uye vakatsaura Ereazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vokuKiriatijearimu vakauya vakatora bhokisi raTenzi rechitenderano vakaenda naro kumba kwaAbhinadhabhu pachikomo. Vakagadza mwana wake Ereazari kuti achengete bhokisi raTenzi rechitenderano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo varume veKiriatijearimi vakauya, vakatora areka yaJehovha, vakaiisa kumba kwaAbhinadhabhu pagomo; vakatsaura Ereazari mwanakomana wake, kuti achengete areka yaJehovha.
Shona 2009?
Ipapo varume veKiriatijearimi vakauya, vakatora areka yaJehovha, vakaiisa kumba kwaAbhinadhabhu pagomo; vakatsaura Ereazari mwanakomana wake, kuti achengete areka yaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo varume veKiriatijearimi vakauya, vakatora areka yaJehovha, vakaiisa kumba kwaAbhinadhabhu pagomo; vakatsaura Ereazari mwanakomana wake, kuti achengete areka yaJehovha.