1 Samuel 7:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Namaguta akaŋga atorerwa ʋaIsraeri naʋaFiristia akadzoserwa ɀe kuʋaIsraeri, kubva paEkroni kuȿikira paGati, nenyika yaʋo yakasunuŋgurwa naʋaIsraeri pamaʋoko aʋaFiristia; rugare rukaʋa’po pakati paʋaIsraeri naʋaAmori.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maguta anobva kuEkironi kusvikira kuGati akanga apambwa navaFiristia kubva kuIsraeri akadzorerwa kwairi, uye Israeri yakasunungura rimwe dunhu rayo kubva muruoko rwavaFiristia. Uye pakazova norunyararo pakati peIsraeri navaAmori.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakatorazve maguta avakanga vatorerwa navaFirisitia kubvira kuEkironi kusvikira kuGati. VaIsiraeri ava vakatorazve nyika yavo mumaoko avaFirisitia. Pakati pavaIsiraeri navaAmori paivawo norugare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Namaguta akanga atorerwa vaIsiraeri navaFirisitia akadzoserwazve kuvaIsiraeri, kubva paEkironi kusvikira paGati, nenyika yavo yakasunungurwa navaIsiraeri pamaoko avaFirisitia; rugare rukavapo pakati pavaIsiraeri navaAmori.
Shona 2009?
Namaguta akanga atorerwa vaIsiraeri navaFirisitia akadzoserwazve kuvaIsiraeri, kubva paEkironi kusvikira paGati, nenyika yavo yakasunungurwa navalsiraeri pamaoko avaFirisitia; rugare rukavapo pakati pavalsiraeri navaAmori.
Shona SUB 2002 Bible
Namaguta akanga atorerwa VaIsiraeri navaFirisitia akadzoserwazve kuVaIsiraeri, kubva paEkironi kusvikira paGati, nenyika yavo yakasunungurwa naVaIsiraeri pamaoko avaFirisitia; rugare rukavapo pakati paVaIsiraeri navaAmori.