1 Samuel 7:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Samueri akataura neimba yose yaIsraeri, akati: Kana muciɗa kudzokera kunaJehova nomŋoyo wenyu wose, bvisai ʋamŋari ʋatorwa neAshtaroti pakati penyu, mugadzirire Jehova mŋoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye ucakusunuŋgurai pamaʋoko aʋaFiristia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Samueri akati kuimba yeIsraeri, “Kana muchidzokera kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose, zvino chibvisai pakati penyu vamwari vavatorwa navaAshitoreti mugozvikumikidza kuna Jehovha uye mumushumire iye bedzi, uye achakudzikinurai kubva muruoko rwavaFiristia.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samueri akataurira vaIsiraeri vose achiti, “Kana mada zvokudzokera kuna Tenzi nomwoyo wose motorasa vamwari vasirivo pamwechete nezvifananidzo zvavamwari vanaAshitaroti zvamunazvo, muise mwoyo yenyu kuna Tenzi munamate iye oga. Iye achakununurai mumaoko avaFirisitia.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, “Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomwoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha mwoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia.”
Shona 2009?
Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, "Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha moyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia."
Shona SUB 2002 Bible
Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, “Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomwoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha mwoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia.”