1 Samuel 7:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋuŋgana paMizpa, ʋakacera mvura, ʋakaiɗururira pamberi paJehova, ʋakaɀinyima ɀokudya nomusi iwoyo, ʋakati ipapo: Takatadzira Jehova. Samueri akatoŋga ʋana ʋaIsraeri paMizpa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vaungana paMizipa, vakachera mvura vakaidururira pamberi paJehovha. Nomusi iwoyo vakatsanya ipapo vakareurura vachiti, “Takatadzira Jehovha.” Uye Samueri akava mutungamiriri weIsraeri yose paMizipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro vakaungana kuMizipa vakateka mvura vakaidururira pasi pamberi paTenzi, vakatsanya musi iwoyoyo vakareurura vachiti, “Takatadzira Tenzi.” Samueri akatonga vaIsiraeri ari kuMizipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakaunganidzana paMizipa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya nomusi iwoyo, vakati ipapo, “Takatadzira Jehovha.” Samueri akatonga vana vaIsiraeri paMizipa.
Shona 2009?
Vakaunganidzana paMizipa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, vakatsanya nomusi iwoyo, vakati ipapo, "Takatadzira Jehovha." Samueri akatonga vana vaIsiraeri paMizipa.
Shona SUB 2002 Bible
Vakaunganidzana paMizipa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya nomusi iwoyo, vakati ipapo, “Takatadzira Jehovha.” Samueri akatonga vana VaIsiraeri paMizipa.