1 Samuel 7:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati kunaSamueri: Musarega henyu kuramba mucicema kunaJehova Mŋari weɗu nokuɗa kweɗu, kuti atirwire pamaʋoko aʋaFiristia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchidanidzira kuna Jehovha Mwari nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFiristia.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakati kuna Samueri, “Musamborega zvenyu kuramba muchitinamatira kuna Tenzi Mwari wedu kuti atinunure mumaoko avaFirisitia.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaIsiraeri vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchichema kuna Jehovha Mwari wedu nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFirisitia.”
Shona 2009?
Zvino vana vaIsiraeri vakati kuna Samueri, "Musarega henyu kuramba muchichema kuna Jehovha Mwari wedu nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFirisitia."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana VaIsiraeri vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchichema kuna Jehovha Mwari wedu nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFirisitia.”