1 Samuel 7:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Samueri akatora gwaiana rinomŋa, akagadzirira Jehova naro cipiriso cinopiswa cose. Samueri akacema kunaJehova nokuɗa kwaʋaIsraeri; Jehova akamunzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Samueri akatora gwayana rainwa akaribayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha. Akachema kuna Jehovha pamusoro peIsraeri, Jehovha akamupindura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samueri akatora hwayana ichiri kuyamwa akaipira kuna Tenzi sechibayiro chinopiswa mutumbi wose. Samueri uyu akateterera kunamatira vaIsiraeri kuna Tenzi, Tenzi ndokumupindura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Samueri akatora gwayana rinomwa, akagadzirira Jehovha naro chipiriso chinopiswa chose. Samueri akachema kuna Jehovha nokuda kwavaIsiraeri; Jehovha akamunzwa.
Shona 2009?
Samueri akatora gwayana rinomwa, akagadzirira Jehovha naro chipiriso chinopiswa chose. Samueri akachema kuna Jehovha nokuda kwavaIsiraeri; Jehovha akamunzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Samueri akatora gwayana rinomwa, akagadzirira Jehovha naro chipiriso chinopiswa chose. Samueri akachema kuna Jehovha nokuda kwaVaIsiraeri; Jehovha akamunzwa.