1 Samuel 8:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaSamueri: Terera hako manzwi aʋo, uʋagadzire mambo. Samueri akati kuʋarume ʋaIsraeri: Endai henyu, mumŋe nomumŋe kuguta rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akapindura achiti, “Vateerere uye uvape mambo.” Ipapo Samueri akati kuvarume veIsraeri, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Samueri, “Gamuchira zvako chichemo chavo uvape mambo.” Samueri akaudza vaIsiraeri vose kuti, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rokwake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Terera hako mazwi avo, uvagadzirire mambo.” Samueri akati kuvarume vaIsiraeri, “Endai henyu, mumwe nomumwe kuguta rake.”
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Samueri, "Teerera hako manzwi avo, uvagadzirire mambo." Samueri akati kuvarume vaIsiraeri, "Endai henyu, mumwe nomumwe kuguta rake."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Terera hako mazwi avo, uvagadzirire mambo.” Samueri akati kuvarume VaIsiraeri, “Endai henyu, mumwe nomumwe kuguta rake.”