1 Samuel 8:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati kunaSamueri: Terera hako ɀose ɀinotaura ʋanhu kwauri, nokuti haʋana‐kukuramba iwe, asi ʋakandiramba ini, kuti ndirege kuʋa mambo waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jehovha akamuudza kuti: “Teerera zvose zvinotaura vanhu kwauri; havana kuramba iwe, asi varamba ini samambo wavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Samueri, “Gamuchira zvako zvose zvavari kukumbira nokuti haasiri iwe wavari kuramba, asi wavari kuramba chaiye kuti ave mambo wavo, ndini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, “Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nokuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.
Shona 2009?
Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, "Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nokuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, “Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nokuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.