1 Samuel 9:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakapindura, ʋakati: Uri’po; tarirai, hoyo pamberi penyu; kurumidzai henyu ɀino, nokuti waȿika muguta nhasi; nokuti ʋanhu ʋanoɓayira nhasi paɗunhu rakakwirira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapindura vachiti, “Aripo. Ari mberi kwenyu. Kurumidzai achangosvika iye zvino muguta redu, nokuti vanhu vane chibayiro panzvimbo yakakwirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakati, “Ee, aripo. Inga wani anotova pamberi penyu apa. Zvino kurumidzai. Auya nhasi muguta medu nokuti iye nhasi uno vanhu vachapira chibayiro kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakapindura, vakati, “Aripo; tarirai, hoyo pamberi penyu; kurumidzai henyu zvino, nokuti wasvika muguta nhasi; nokuti vanhu vanobayira nhasi padunhu rakakwirira.
Shona 2009?
Vakapindura, vakati, "Aripo, tarirai, hoyo pamberi penyu; kurumidzai henyu zvino, nokuti wasvika muguta nhasi; nokuti vanhu vanobayira nhasi padunhu rakakwirira.
Shona SUB 2002 Bible
Vakapindura, vakati, “Aripo; tarirai, hoyo pamberi penyu; kurumidzai henyu zvino, nokuti wasvika muguta nhasi; nokuti vanhu vanobayira nhasi padunhu rakakwirira.