1 Samuel 9:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maŋgwana neŋguʋa ino ndicatuma kwauri munhu unobva kunyika yaBenjamini; unofanira kumuzodza, kuti aʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, aponese ʋanhu ʋaŋgu mumaʋoko aʋaFiristia; nokuti ndakatarira ʋanhu ʋaŋgu, nokuti kucema kwaʋo kwakaȿika kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nenguva inenge ino mangwana ndichakutumira mumwe anobva kunyika yaBhenjamini. Muzodze kuti ave mambo pamusoro pavanhu vangu veIsraeri; achanunura vanhu vangu kubva muruoko rwavaFiristia. Ndatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwasvika kwandiri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mangwana, panguva ino iyoyi ndichakutumira mumwe murume wokunyika yakwaBhenjamini. Unofanira kumuzodza kuti ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri. Ndiye achanunura vanhu mumaoko avaFirisitia nokuti ndakaona nhamo yavanhu vangu, ndikanzwawo kuchema kwavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mangwana nenguva ino ndichatuma kwauri munhu unobva kunyika yaBhenjamini; unofanira kumuzodza, kuti ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri, aponese vanhu vangu mumaoko avaFirisitia; nokuti ndakatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwakasvika kwandiri.”
Shona 2009?
"Mangwana nenguva ino ndichatuma kwauri munhu unobva kunyika yaBhenjamini; unofanira kumuzodza, kuti ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri aponese vanhu vangu mumaoko avaFirisitia; nokuti ndakatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwakasvika kwandiri."
Shona SUB 2002 Bible
“Mangwana nenguva ino ndichatuma kwauri munhu unobva kunyika yaBhenjamini; unofanira kumuzodza, kuti ave mutungamiriri wavanhu vangu VaIsiraeri, aponese vanhu vangu mumaoko avaFirisitia; nokuti ndakatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwakasvika kwandiri.”