1 Samuel 9:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Samueri akapindura Sauro, akati: Ndini Muʋoni; ndituŋgamirirei mukwire kuɗunhu rakakwirira, nokuti munofanira kudya neni nhasi; maŋgwana ndicakutendera kuenda, ndigokuʋudza ʋo ɀose ɀiri pamŋoyo wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Samueri akapindura akati, “Ndini muoni. Chitungamira mberi kwangu kunzvimbo yakakwirira, nokuti nhasi unofanira kudya neni, mangwanani ndichakurega uchienda uye ndichakuudza zvose zviri mumweya mako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samueri akapindura Sauro achiti, “Ndini muoni wacho. Chitungamirai tiende tose kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira nokuti iye nhasi uno muchadya neni. Ndichazokuregai zvenyu moenda mangwana mangwanani. Ndichakuudzaiwo nhuna dzemwoyo wenyu dzose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Samueri akapindura Sauro, akati, “Ndini Muwoni; nditungamirirei mukwire kudunhu rakakwirira, nokuti munofanira kudya neni nhasi; mangwana ndichakutendera kuenda, ndigokuudzawo zvose zviri pamwoyo wako.
Shona 2009?
Samueri akapindura Sauro, akati, "Ndini Muvoni; nditungamirirei mukwire kudunhu rakakwirira, nokuti munofanira kudya neni nhasi; mangwana ndichakutendera kuenda, ndigokuudzawo zvose zviri pamoyo wako.
Shona SUB 2002 Bible
Samueri akapindura Sauro, akati, “Ndini Muwoni; nditungamirirei mukwire kudunhu rakakwirira, nokuti munofanira kudya neni nhasi; mangwana ndichakutendera kuenda, ndigokuudzawo zvose zviri pamwoyo wako.