1 Samuel 9:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uyu munhu wakaŋga anomŋanakomana wainzi Sauro, jaya rakanaka; kwakaŋga kusinomumŋe munhu pakati paʋana ʋaIsraeri wakaŋga akamukunda pakunaka; kubva pamafudzi ake kuȿika kumusoro wake wakaŋga akapfuʋura ʋanhu ʋose pakureɓa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aiva nomwanakomana ainzi Sauro, jaya raiyemurika rakanga risina akaenzana naro pakati pavaIsraeri, akanga akareba kupfuura vose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu iyeyu akanga ane mwanakomana wake ainzi Sauro akanga ari jaya rine chimiro chakanakisa kwazvo. PavaIsiraeri pakanga pasina mumwe munhu aikwanisa kuenzaniswa naye parunako. Aiva akapfuura vanhu vose kureba, vamwe vose vachingomirira mumapendekete ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyu munhu wakanga ano mwanakomana wainzi Sauro, jaya rakanaka; kwakanga kusino mumwe munhu pakati pavana vaIsiraeri wakanga akamukunda pakunaka; kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake wakanga akapfuura vanhu vose pakureba.
Shona 2009?
Uyu munhu wakanga ano mwanakomana wainzi Sauro, jaya rakanaka; kwakanga kusino mumwe munhu pakati pavana vaIsiraeri wakanga akamukunda pakunaka; kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake wakanga akapfuura vanhu vose pakureba.
Shona SUB 2002 Bible
Uyu munhu wakanga ano mwanakomana wainzi Sauro, jaya rakanaka; kwakanga kusina mumwe munhu pakati pavana VaIsiraeri wakanga akamukunda pakunaka; kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake wakanga akapfuura vanhu vose pakureba.